Home Africa News Chitunha chakaperekedzwa kumakuva nenyoka ku Mt Darwin

Chitunha chakaperekedzwa kumakuva nenyoka ku Mt Darwin

538
0

MUNYAYA inoshamisa zvikuru, mukweshwa wenyoka unonzi wakaperekedza chitunha cheimwe chembere kuenda kumakuva kwachainovigwa apo waiva nepadivi pemotokari yainge yakatakura mutumbi kudunhu raMambo Chiswiti, kuMukumbura, kuMt Darwin.

Manenji aya anonzi akaitika parufu rwaGogo Irene Chiundiza (70) vemubhuku rasMukoma, kuKaitano, svondo rapera.

Parufu apa zvekare zvinonzi mukoma wemufi akarohwa nezvinhu zvisina kuonekwa ndokuzotakurwa asingagone kutaura uye achiri kurwara nanhasi.

Mai Evelyn Marundu (71), uyo vanove mwana kumushakabvu aberekwa nemukoma wemurume waGogo Chiundiza, vanotsinhira nyaya yenyoka yakaperekedza chitunha kumakuva iyi.

“Amainini vakarwara ndokunofira kuHarare, mutumbi wavo ndokuzounzwa kuno kumusha. Mutumbi wakatakurwa wava kuendwa nawo kumakuva, ndipo pakaonekwa nyoka iyi pamberi pemotokari yaiva yakatakura chitunha zvikavhundutsa vanhu vaivepo. Inonzi yakazofamba kwechinhambwe iri nepadivi pemota pasina kuvhunduka vanhu, ndokuzosvororoka ichipinda nemukati memamwe makuva,” vanodaro Mai Marundu.

Vanoti mukoma wemuchakabvu akarohwawo zvakaomarara nezvinhu zvaasina kuona achitoridza mhere ndokubva angotadza kutaura.

“Takarara husiku panhamo apa, maiguru vakangotanga kuridza mhere vachirohwa nezvinhu zvaisaonekwa ndokubva vangotadza kutaura. Vaingoratidza nemaoko kuti vairohwa,” vanodaro.

Mai Marundu vanoenderera mberi vachiti: “Takamirira kunzwa bhudhi vedu vakuru, mwana waamai vekufa ava, kuti vanoronga chii. Asi nyaya dzakadai dzinoda kuti vanhu vafambe.”

Zvisinei nezvakaitika, vanoti nhumbi dzemushakabvu dzakazogovewa zvakanaka paine madzisekuru avo.

Sekuru Erelero Koti (74), vanova hanzvadzi yemufi, vanoti nyaya yenyoka yakaonekwa ichiperekedza chitunha kumakuva vakainzwa sezvo ivo vasina kuenda kumarinda nekuda kwekurwara.

Sekuru Erelero Koti

“Irene Chiundiza ndini ndakamusiira mukaka, aiva nenyaya dzake dzakawanda-wanda kumba kwake nemurume wake kusvikira aramwiwa kwandiri achinzi muroyi zvose nemurume wake, Luxon Chiundiza. Mudzimai wangu akachengeta hanzvadzi yangu iyi achinzi muroyi kusvikira azofa kudai,” vanodaro Sekuru Koti.

“Mukuwasha wangu nasisi vanofanirwa kunge vakafamba parefu kunoromba. Ndine vazukuru vangu vaviri mapatya vasikana vakafa vachirutsa ropa kuzadza bhagidhi vakazvimba matumbu, mukomana akarumwa nenyoka achibva afa saka kunyangwe vakafa handivachenese,” vanodaro Sekuru Koti.

Vanoti vakaudzwawo kuti kune nyoka yakaperekedza mutumbi kunosvika kumakuva.

“Ndakangonzwa kuti kumakuva kwaonekwa nyoka ichitevedzana nemotokari yaiva yakatakura chitunha. Hatizive kuti nyoka iyi ndeyei, ini ndakatangira hanzvadzi yangu kurwara, nhasi afa ini ndasara. Ndinoda kutobatsirwawo,” vanodaro.

Sekuru Koti vanoti vazukuru vavo, vana vehanzvadzi yavo, vaiuya kwavari vachichema nematambudziko avanosangana nawo.

“Vazukuru vangu vanakomana vatatu vakauya kwandiri vakaramwa amai vavo ndikavatambira. Vakagara pano pamba pangu kubva mumwedzi waNdira gore rakapera kusvika mwedzi wakapera pavakazotorwa nevana vachinzi vanorapiswa vachibva vazoshaika,” vanodaro Sekuru Koti.

Vanoti hanzvadzi yavo yasiya vana vatanhatu, vasikana vatatu nevakomana vatatu.

“Vazukuru vangu vane mhosva neni asi handina kuvataurira. Pamba pehanzvadzi yangu pakambouya mapositori vachinzi vanoda kudzura zvinhu, izvo taingoona zvichiitika tiri kure.”

Sekuru Koti vanoti hanzvadzi yavo yaimbobva pamba isina kupfeka ichiti pane zvinhu zvaimurova inova nyaya yaisanzwisisika.

“Ndichitaura nehanzvadzi yangu, aiti aipimhwa huroyi achikonzera matambudziko muvanhu. Vose mukuwasha nehanzvadzi yangu vakafa vachingonangwa,” vanodaro sekuru.

Sekuru Koti vanoti vakamboenda navo kumhondoro dzemunzvimbo iyi uko vose vakanonzi vakaromba.

“Hanzvadzi yangu akanditaurira kuti iye nemurume wake vakaenda kun’anga vakanopihwa divisi rekurima,” vanodaro Sekuru Koti.

Mudzimai wavo, Gogo Media Sizinyu (70), vanoti vakachengeta vatete vavo (hanzvadzi yemurume) vadzingwa nenyaya yekupomerwa huroyi.

Gogo Media Sizinyu

“Vakauya navo pano vachiti chengetai tete venyu. Ndakagara navo kusvikira vakazotorwa pavakazonofa apa,” vanodaro Gogo Sizinyu.

Mai Tapfidza Koti (42), mwana waSekuru Koti, vanoti tete vavo vaisava nerugare mukurarama kwavo sezvo vainangwa huroyi.

“Tete vakarwara kakawanda kusvikira vaunzwa kumba kwababa naamai vangu vaita zvekuramwiwa. Vakazouya kubva kuHarare chava chitunha ndirimo mumota. Pakunovigwa ndipo patakaona nyoka hombe yegreen ichifamba nepadivi pemota kuenda kumakuva. Hatizive kuti yaiva nyoka yei uye kuti zvaireva chii. Yakazongopinda nemumakuva isu tikaviga munhu,” Mai Tapfidza Koti.

  • Mai Tapfidza Koti

    Zvakadai, mwanakomana mukuru wemuchakabvu, Chajai Chiundiza, akaridzirwa nhare kuti ataurewo zvaanoziva nekuda kwezvakaitika parufu rwaamai vake nezvimwe, asi akaramba.

    “Ini handidi kutaura nemi, whatever zvamunoda kutaura hazvimutse munhu. Ndipei zita remunhu akakupai nyaya yacho uyewo dambudziko rake nderei nerenyuwo?

    “Handina kumbokutsvagai, kana ndava nenyaya ndichauya kwamuri. Chokwadi ndechekuti handisi kuda kutaura nemi,” anodaro Chajai Chiundiza.

    “Mava kuitawo kunge musina kuenda kuchikoro, handisi kuda kuti nyaya yangu ibude mupepa. Munhu akakupai nyaya iyi ‘benefit’ yake ndeyeiko? Nguva yandaida rubatsiro ndepairwara amai vangu kwete izvozvi, I dont need help now anyway,” anodaro Chajai Chiundiza

  • LEAVE A REPLY

    Please enter your comment!
    Please enter your name here