MIMWE minana inoshura bedzi chokwadi!
Chitunha chemunhukadzi chinonzi chakaita mazuva maviri azere chichishaura nekuimba nziyo dzechechi paPlot 34 kupurazi reBalmoral Farm riri kuNyagori kuWard 15, kwaMambo Chivero, kuMhondoro-Mubayira.
Sezvinonzi zvekuimba yaive minana miduku, chitunha ichi chinonzizve chakadana nemazita vana vaiye nyakufa vamwe vanhu vaivepo vakatombopotsa vati tsoka ndibereke nekutya.
Mufi Sarudzai Nhonga (45) akashaikira kuchipatara chekuNorton apo anonzi akapunzika achitsvaira chivanze pamba pake kupurazi reSerui Source, kuKnock Maroon, uko akanga ava kugara oga mushure mekusiyana nemurume wake, Gift Thembo.
Mutumbi wemudzimai uyu wakazotakurwa kunochemerwa kumba kwavamwene vake kupurazi reBalmoral, kuNyagori, uko unonzi wakazonzwikwa uchiimba nekushevedza mazita evana vaiye nyakufa.
Chiitiko ichi chiri kutsinhirwa nevanhu vaiva parufu rwemudzimai uyu, zvisinei nekuti vemhuri yacho vari kutsenga-tsenga mukanwa panyaya iyi.
Mai Alice Phiri
Mai Alice Phiri (51) vepaPlot 11 papurazi reBalmoral — avo vanova sahwira wemushakabvu — vanotsinhira kuti chitunha chakaimba.
“Sahwira wangu Sarudzai Nhonga akanga ava kugara oga kupurazi reSerui Source asiyana nemurume wake. Akabva pamba pake dzimba ndokusara dzichidhirika. Akangopunzika achitsvaira pachivanze pake ndokuendeswa kuchipatara kuNorton uko akanofira.
“Ini nevamwe takazotora mutumbi (wake) ndokuenda nawo kumba kwavamwene vake uko akanochemerwa. Kutanga kuma9 dzehusiku, ini ndaiva padivi pebhokisi raiva nechitunha apo ndakatanga kunzwa kuimba kwemufi uyu — izwi rake richidavira nziyo dzaiimbwa nevapenyu,” vanodaro Mai Phiri.
Vanoti vakambofunga kuti vainge vatadza kunzwa zvakanaka ndokuswedera pabhokisi vakanzwa kuti chaiva chokwadi kuti mushakabvu aitoshaura nziyo dzaiimbwa nevapenyu vaimuchema.
“Ipapo mufi uyu akatanga kushevedza mazita evana vake vaviri vanoti Mitchel naCaroline zvikatonzwikwa nevana ava vachibva vauya kwandiri vaine kutya kukuru, vakati vari kunzwa kuti amai vavo vachivashevedza. Ini sasasahwira ndakamisa vanhu kuimba ndokunzwa chokwadi mufi achitoimba.
“Ndakazotanga kuita chivanhu ndichipopota nekudeketera ndichiti iwe sahwira siyana nevana havana zvavanoziva, usavhundutse vana,” vanodaro Mai Phiri.
Vanoti vakatora ambuya vemufi vaiva vabva kwaChiundura avo vakatangawo kuita chivanhu chavo.
“Gogo ava ndakavabvunza kuti vainzwa here kuimba kwechitunha chemuzukuru wavo nekushevedza kwacho vana, vakabvuma kuti vaizvinzwa. Mutumbi uyu wakaita mazuva maviri usina kuvigwa paine zvainetsa kuvabereki vasahwira wangu nekuti murume waakaita naye vana 4 akanga asina chaakabvisa,” vanodaro.
Musha waSarudzai
Mai Phiri vanoti mumazuva maviri aya, chitunha ichi chaingoimba nziyo kunyangwe pekupedzisira chakanga chisisashevedze mazita evana.
“Sahwira wangu aipinda chechi yeZion kupurazi kwaNyarara, rwiyo rwaiimbwa nechitunha ichi rwunonzi ‘Sarah Hagga’ urwo aifarira achiri mupenyu. Ndakaramba ndichingopopota sasahwira wake, dzimwe nguva chitunha ichi chichimbonyarara. Nyaya iyi hama dzemufi hadzisi kuda kuti itaurwe asi ini handigone kunyarara nekuti Sarudzai anozondipfukira sezvo tiine zvakawanda zvataiita tose pazvitsidzo zvedu.”
Mai Phiri vanoti hama dzemuchakabvu vakafamba mutumbi uchiimba uri mumba vakanotaurirwa zvekuita kusvikira vakazomuviga.
“Nyaya yandinoziva ndeyekuti Sarudzai paaigara oga kupurazi reSerui Source akanga ava kudanana nemurume weshamwari yake ikoko inova nyaya yanga ichinetsa, saka zvauraya sahwira wangu handizvizive.”
Mai Phiri vanoenderera mberi vachiti: “Sahwira wangu takamuviga nemusi weSvondo zvakanaka amira kuimba. Chaakatadzirwa kuti asvike pakuita zvishamiso zvakadai hatizive kuti chii.”
VaClever Gandanzara (40), avo vanova muzukuru wemushakabvu, vanotsinhirawo vachiti:
“Mufi haana kurwara zvinoenda kure achibva afa, akanga ava kugara kwake oga asiyana nemurume. Akasiya imba yake ndokuita dongo, pekuchemerwa pakada kunetsa ndokuzoendeswa mumba maamwene. Murume wake semunhu akanga asina kuroora, zvakanetsa parufu apa vabereki vemushakabvu vachida pfuma yavo pakazobviswa mombe mbiri. Pakuimba kwechitunha ichi, chaidavirawo nziyo dzeJiti nedzechechi uyewo chairidza ngonono. Pane zvakawanda zviri kutaurwa pakufa kwaambuya vangu,” vanodaro VaGandanzara.
Vanotiwo bhokisi remufi paraive mumba raitamba-tamba kuita semune munhu mupenyu.
“Vehukama vakazofamba nekuda kwechiitiko ichi kusvikira munhu avigwa. Vamwewo vanoti dzimwe nguva takaviga munhu mupenyu, panhamo iyi pakaitika chamupupuri chakatangira pachivanze chikamonera imba yaiva nemufi vanhu vakatadza kuona neguruva zvikanzi nevakuru chivanhu,” vanodaro VaGandanzara.
Sabhuku wenzvimbo iyi, VaDamson Milanzi (53), vanotsinhira zvekare nyaya yechitunha chinonzi chakaimba.
“Ndaivako kunhamo iyi ndikazobva pakati pehusiku musi wekutanga, ndikazoenda kuchipatara nemwana musi wechipiri. Nyaya yekuimba kwechitunha ndakainzwa zvichinzi chaiita mahon’era chiri mubhokisi vanhu vachimbonyarara chichisara chichiimba choga. Sachigaro wedu muno, VaJoel Kanhema, vaivapiwo.
“Zvinonziwo chitunha ichi chaiita ngonono sezvinoita munhu mupenyu akakotsira,” vanodaro Sabhuku Milanzi.
Vanoenderera mberi vachiti: “Ndinonzwa kuti muroora uyu akazodzingwa pamba naamwene aita pamuviri ndokutanga kunogara kupurazi reSerui Source. Nyaya yekuimba kwechitunha nekushevedza kwacho mazita evana vake ichokwadi ndakazvinzwa. Mutumbi uyu wakaita mazuva maviri uri mumba zvinhu zvichinetsa, ndakazotaura nasadunhu wedu VaMupambi vakazopa mutongo wekuti mutumbi uvigwe vanhu vachitaurirana sezvo vakuwasha vakanga vasina kuroora.”
Vanokurudzira vanhu kubvisa pfuma yeroora kuti pasazonetsa kana kwaitika rufu seizvi.
Vamwene vemuchakabvu, kusanganisira nevanin’ina vavo, vakaramba kutaura nevatori venhau.
“Hatigone kutaura nemi nekuda kwenyaya iyi, hatina kusununguka,” vanodaro vamwene vacho vachitsinhirwa nevanin’ina vavo.
VaDickson Thembo vanove muramu wemushakabvu vakatsenga-tsengawo mukanwa pavakabvunzwa nezvenyaya yekuimba kwechitunha chaamaiguru vavo.
“Maiguru vangu Sarudzai Nhonga vaiva mudzimai waGift Thembo. Nyaya iyi manyepo, kune vatori venhau vakadzingwa pano nevamwewo vanhu vakanga vauya nezuro tikavati vagare padyo nebhokisi vazvinzwire. Nyaya iripo chete ndeyekuti tainge tisina kubvisa pfuma kumadzitezvara,” anodaro Thembo.
Nyanzvi yezvechivanhu, Gogo Mamoyo, vanoti mushakabvu uyu anogona kunge akadimburirwa upenyu hwake panzira zvinoda kuti hama dzake dzifambe dzizvitsvage muchivanhu.
“Mhuri iyi ngaifambe vatsvage chaizvo zvakaitika kuhama yavo,” vanodaro Gogo Mamoyo.
Zvakadai, nyaya yekuimba kwechitunha yakamboitika kupurazi reKatawa riri kuRaffingora apo mumba maidonha ropa kubva muhuswa makore adarika