Mvurwi-Zvakangonaka kuti kana iri pfuma yemufi inofanirwa kugovewa namazvo kuitira kudzivirira matambudziko akawanda ayo anosanganisira iro dambudziko riri kuitika mudhorobha reMvurwi apo Shame Dandamera(46)akatora imba yemukoma wake akafa gore rakapera ndokubva atengesa imba yacho kunaTafadzwa Zuze asi imba yacho yakuita mashura apo yakutaura pamwe nezvimwe zvinovhundutsa izvo zvairi kuita.
Sekutaurwa kwazvo,imba yacho yakunzwikwa ichitaura husiku nezwi rakada kufanana neremushakabvu uyo aive muridzi wemba yacho.Naizvozvo izwi riri kunzwikwa pamba apa, izwi riri kuita sekunge munhu ari kupopota.Zvimwe zvezvishamiso zviri kuitika pamba pacho zvinosanganisira kunzwikwa kwemba iyi ichiita sekunge iri kuridza n’onono pamwe nekuita sokunge iri kuzunguzika apo ichiita sekunge iri kuda kudonha.
Akatengeserwa imba iyi,ari kuti husiku anonzwa padenga remba iyi pachiita sokunge pane munhu ari kutaura asi izwi racho riri rechirume iro riri kufungidzirwa kuti nderemushakabvu uyo aive muridzi wemba yacho.”Ichokwadi pamba tiri kunzwa imba ichitaura zvokutoti hatina rugare pano pamba.Imba iyi ndakaitenga asi yakupota ichiita minana,” akadaro Tafadzwa Zuze.Zvisinei nekutaura kwemba iyi,mamwe mazuva pamba apa panogogodzwa magonhi asi panze panenge pasina munhu anenge aripo.Izvi zvakatanga mwedzi wakapera apo hama dzemufi dziri kukakawadzana maringe nepfuma yemufi iyo inosanganisira imba iyi,motokari pamwe nechitoro.”Tiri mumba kunyanya kumanheru takagara zvedu unonzwa gonhi rogogodzwa asi ukabuda panze panenge pasina munhu,” uku kutaura kwaStellar mudzimai waTafadzwa. Nyangwe zvazvo zvainge zvakanyorwa pasi kuti pfuma yose ichazopuhwa vana wemufi asi zvinhu zvose zvakatorwa nehama idzo dzisiri kutaudzana kutaura kuno apo mweya wemufi wasimuka zvakanyanya zvokuti kana pakasatorwa matanho ekutanda mhepo yacho panogona kudeuka ropa.Baba wemushakabvu VaTapera Dandamera vakati havasi kufara nekutengeswa kwakaitwa imba yemwana wavo uyo akafa.”Imba yaisafanirwa kutengeswa nokuti imba ndeyevana wemushakabvu.Zvakaitwa naShame hazvina huchenjeri,” Vakadaro VaDandamera.Nyakutenga imba ari kuti anogona kubva pamba apa munguva shoma iri kutevera nokuti hazvibatsire kuti arambe ari pamba apa.”Nyangwe ndakatenga imba iyi asi ndakuisiya nokuti tinogona kufuma takafa ini pamwe nemhuri yangu nokuti paimba iyi pane mamhepo,” akadaro Tafadzwa.