Home Africa News Murume asungirwa kubata chibharo madzimai 7

Murume asungirwa kubata chibharo madzimai 7

197
0

MURUME anonzi aive arura nekubata chibharo madzimai aitsvaga huni musango riri mune rimwe purazi kuNorton akasungwa.

Musungwa uyu, uyo anoshandisa mazita maviri ekuti Elton Kabasa kana kuti Jephias Mpande (27), anogara mukomboni yepurazi rekwaMboma chinhambwe chemakiromita gumi nemashanu kubva mumugwagwa unobva kuNorton uchienda kwaZvimba nekuChinhoyi.

Akasungwa pakati peusiku kupurazi rekwaMboma apo aive akahwanda mumadhirihora efodya.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Ian Kohwera, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tine murume aitsvagwa nemapurisa nemaziso matsvuku vachimushaya nemhosva yekubata madzimai chibharo avo ainogarira kusango repurazi reHighfield kuNorton. Mushure mekusungwa, akadura kuti akabata madzimai manomwe chibharo kunyangwe zvazvo vakamhan’ara vachingova vana (4) chete,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti musungwa uyu anonzi anga asvitsa mwedzi miviri achingoita tsika yake iyi yekuhwandira madzimai musango rekupurazi iri achivabata chibharo.

Akazosungwa nemusi wa13 Gumiguru kuma12 husiku apo akawanikwa akahwanda mumadhirihora efodya.

“Mukusungwa kwake, akawanikwawo aine huku dzemaroad runners dzaanonzi aibira vanhu vemunharaunda iyi idzo dzakatozivikanwa nevaridzi vadzo. Kureva kuti ava neimwe mhosva zvakare yestock theft yaari kupomerwa achitarisirwa kupinda mumatare edzimhosva munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti musungwa uyu akakwanisa kuzivikanwa nemamwe madzimai aanonzi akabata chibharo apo vakamunongedza pakati pevamwe.

“Tinokurudzira kana kuine mamwe madzimai nevasikana vangadaro vakashungurudzwa nemurume uyu nekubatwa chibharo kuti vaende kunomhan’ara nyaya yavo kumapurisa sezvo paine fungidziro yekuti madzimai akabatwa chibharo vakawanda kudarika vanomwe vari kutaurwa ava,” vanodaro Insp Kohwera.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here