Vamwe amai wekuDandamera kuConcession,Mai Lillian Madzoro(49)vari kushishikana zvikuru nekurira kwegusvi pamba pavo apo munhu ari kuombera wacho havasi kumuona uye izvi zvakatanga mwedzi wadarika.
Dambudziko ramai ava rakatanga mugore ra2015 pakafa mwanasikana wavo uyo akange ane makore (19) ekuzvarwa uye zvinonzi akafa mushure mekurohwa nezvishiri.Afa kudaro amai ava vaifamba mumaporofita umo mavaudzwa kuti mwana haana kufa asi akaroorwa nemurume apo murume wacho ari chikwambo.
Amai ava havana kuzvinzwisisa zvekuti mwana akaroorwa nokuti mwana wacho akafa vakatomuvigwa kutaura kuno asi parezvino vakutanga kubvuma zvaitaurwa nemaporofita acho apo pamba pakunzwikwa pachiomberwa husiku nemunhu asi kuonekwa.”Tinoti tiri mumba husiku tinonzwa panze pachirohwa gusvi remukuwasha chairo asi tikabuda panze pacho panenge pasina munhu anenge aripo,” vakadaro Mai Madzoro.
Sekutaura kwamai ava, parezvino pamba vanzwa pachiomberwa kanokwana kashanu kanoti katatu kumanheru pamwe nekaviri kuseni kwakuchena.Murume waMai Madzoro, VaGibson Madzoro vakatsinhira chiitiko ichi vachiti zvechokwadi zviri kuitika pamba pavo.”Ichokwadi pamba pedu tiri kunzwa pachiomberwa gusvi husiku uye takafamba tikanzwa kuti chikwambo chakauraya mwana wedu ndochiri kuita izvi,” uku kutaura kwaVaGibson Madzoro.
Mumwe anogara pedyo nemba yemhuri iyi ndiHamunei Shoko uyo akapupura kuti akatombonzwa pamba pacho pachiomberwa husiku asi haana kuziva kuti akange ari mashura.”Inini gusvi ndakarinzwa kanokwana kaviri uye ndaitoti pane mukuwasha ari kupota achiuya pamba pacho munguva dzemanheru asi ndakazonzwa kuti chiri kuombera chacho chikwambo,” akadaro Hamunei Shoko.
Parezvino mhuri iyi iri mushishi kutsvaga vabatsiri padambudziko rechikwambo chakupota chichiuya pamba apa chichirova gusvi.