Home Africa News Akagara 32 years nenjuzu, N’anga dzakasiya vamwe vaviri mudziva

Akagara 32 years nenjuzu, N’anga dzakasiya vamwe vaviri mudziva

1816
0
Julia Dadirai

KUDUNHU reMasvingo kunonzi kwakaitika mashura zvichitevera nyaya yemunhukadzi ari kunzi akatorwa nenjuzu aine makore masere murwizi rwaRunde, ndokuzoburitswamo mwedzi wadarika aita makore 32 achigara pasi pemvura.

Pari zvino mukadzi uyu — uyo ari kunzi amera tsanga ina pamuviri wake — anonzi ari kugara akavharirwa mumba pane mumwe musha uri kwaMambo Ndanga, kuZaka, uko kwaari kushandirwa kana kuti kubikwa nemishonga nemasvikiro anonzi akamuburitsa mumvura vachigadzirira kuzonomusiya kumhuri yake iri kuMwenezi.

Rowai Chihwakwa wekwaSabhuku Matande, kuMwenezi, anonzi akatorwa nenjuzu murwizi Runde aine makore masere ekuberekwa panguva iyo akanga ari muGrade 2 apo akaenda kunogeza murukova rwunonzi Matande urwo rwunodira munaRunde.

Anonzi akazoburitswa mudziva musi wa31 Gumiguru nemasvikiro matatu echidzimai mushure mukunge vemhuri yake vapotera kwavari vachitsvaga rubatsiro.

Nyaya iyi yatekeshera mudunhu reMasvingo uye Kwayedza yakaendako nechinangwa chekunotsvaga chokwadi chemashura aya.

N’anga kana kuti masvikiro ari kunzi ndiwo akaburitsa munhu uyu mumvura mushure memakore 32 achigara nenjuzu ndiMbuya Julia Dadirai, Mbuya Tambudzai Matsika naMbuya Otilia Marima.

Julia Dadirai

Zvinonzi pavakamuburitsa mudziva, vakasiya mumwe mukomana nemusikana vaivemo avo vakatorwawo nenjuzu makore adarika.

“Vaviri ava vaitokumbirawo kuti tivadzose kunyika asi takavati hama dzavo dzinofanira kutanga dzapotera kwatiri kana kune mamwe masvikiro kuti vazoburitswa nekuti pane chivanhu chinotanga chaitwa,” vanodaro Mbuya Dadirai.

Nemusi weSvondo wadarika, Kwayedza yakasvika pamusha panonzi ndipo pari kuchengetwa nyakunzi akatorwa nenjuzu makore 32 adarika uyu. Pamusha apa pari kurara pachiimbirwa, kuridzirwa ngoma nekutambira “njuzu” iyi asi yakavharirwa mumba kuti isaonekwa neveruzhinji.

Masabhuku eko akabva aita dare pamusha uyu apo chaunga chevanhu chainge chauya chichitarisira kuratidzwa mukadzi ari kunzi kumakumbo kwake akaita sehove uye amera tsanga uyu.

“Pamusoroi hutungamiriri huri pano, sechikumbiro chenyu chekuti ndidure nyaya iri pano, ini ndinonzi Mbuya Julia Dadirai uye ndiri chizvarwa chekuChipinge asi ndakaroorwa kuBikita. Kune mhuri yekuMwenezi iyo yakapotera kwatiri ichitsvaga mwana wayo akatsakatika makore 32 akadarika.

“Saka takaenda tikanoita bira kwemasvondo maviri tiri panzvimbo yaakapedzisira kutorerwa ari tichibva tapinda tiri vatatu mudziva ndokubuda nemwana uyu ari mumba. Asi vadzimu havasati vatitendera kuti timuratidze kuruzhinji, saka ari mumba umu,” vanodaro.

Tambudzai Matsika

Mbuya Dadirai vanoenderera mberi: “Kutaura kudai handina zororo pano nekuti dzimwe njuzu dziri kutondinetsa dzichindishanyira nekudaro ndikada kukuratidzai mwana uyu ndisina kutenderwa anogona kuuraiwa kana kudzokera kudziva zvekusazodzoswa zvachose saka ndinzwisisei. Ndinotevedzera bedzi zvinenge zvataurwa nevadzimu.”

Mbuya Marima vanoti ivo vakambotorwa nejuzu vaine pamuviri pemwedzi mitatu vakazobuda mushure memwedzi mitanhatu uye vakazobatsirwa nemwanasikana uyo wavanoti vakamubara aine chuma muhuro.

“Tisu takabatsirana kuburitsa Rowai. Ini pandakambotorwa ndakangobuda pasina akumbira kuvadzimu asi bira rakazongoitwa ndatobuda rekutenda vadzimu. Tiri pasi pemvura taitodya matope, mupunga nekuratidzwa mishonga tichifundiswa kuidzvura, zvipuka zvesango repasi zvichitouya zvichinokora mishonga iyoyo zvichidya,” vanodaro.

Munyori uno akarara ari pamusha apa achikumbira kuti pamwe angawaniswe mukana wekuona mukadzi uyu asi zvakkona n’anga murapwa achida sezvo masvikiro aya akaramba kuvhura mumba maanonzi ari kugara achinzi anozoonekwa bedzi kana vapedza kuita chivanhu chavo.

Mbuya Tambudzai Matsika, avo vanova mukuru wemasvikiro aya, vanoti ichokwadi kuti Rowai ane tsanga ina dzinoti mbiri pamapfudzi nembiri zvakare pambabvu.

“Zvekuti akaita sekunge hove kumakumbo kwavawo kunyepa kwevanhu, asi semunhu akagarisa pasi pemvura anga ava kuita makwati anenge ehove uye tsanga tiri kudziisa mishonga saka dziri kudzokera mukati uye dzimwe dzakadonha dzega. Tiri kutarisira kuti munguva pfupi inotevera anenge ava kubuda panze.

“Tichamupereka kumusha kwake kuMwenezi, hama dzake dziri kutobika doro rekumutambira mumusha. Tinovimba achava murapi mukuru,” vanodaro Mbuya Matsika panhare sezvo panguva yakashanyira Kwayedza nzvimbo iyi vainge vasipo.

Otilia Marima

Vanoti vakaburitsa Rowai murwizi Runde mushure memasvondo maviri vachikumbira kuvadzimu.

Mbuya Dadirai vanoti hazvichakodzera kuti Rowai ange chiroorwa.

“Pachivanhu, hazvichaita kuti aroorwe asi kuti achangobata basa rake sesvikiro nekuti hakuna achamutambira semuroora mumusha, kwete,” vanodaro.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvekare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Traditional Prationers Association (ZINIPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti zvinoitika kuti munhu anotorwa nenjuzu achizodzoka kwapera makore akawanda.

“Zvinoitika kuti muhu anotorwa nenjuzu achizodzorwa kuburikidza nechivanhu chekukumbira kune vakamutora. Kana vanhu vasina kuchema misodzi panguva yaakaenda anodzoka ari mupenyu asi kana vakachema, njuzu inotsamwa yomuuraya. Ndipo paya pamunoona munhu achitorwa mudziva aine ropa mumhuno nemumukanwa asi muviri uchidziya zvisinei nekuti anenge akatofa nechekare,” vanodaro.

Asi nerimwe divi vanoti vanhu ngavangwarire kutambwa nepfungwa dzavo nevanhu vanogona kunge vachiita nyaya dzemabhidhiri kuti vawane chouviri.-Kwayedza

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here