Home Africa News DRIVER OZVIMBA RUOKO MUSHURE MOKUBA BAG PABHAZI

DRIVER OZVIMBA RUOKO MUSHURE MOKUBA BAG PABHAZI

279
0

Murume weku kwekwe ave kuzvimba ruoko zvakaipisisa mushure mokuba pabag pabhazi rekwa Munenzwa raibva kuSouth Africa paTOTAL Service station. Phillip Mahava aive driver wemushika shika inotakura vanhu vanenge vaburuka mabhazi manheru. Achitaura nevatapi venhau ve98.4 FM anoti bag iri ranga riri monarch rered uye ranga rakanyorwa kuti Wellington Kanyonga 0786502322 HARARE. Achitaura anoti mubag umu maive nembatya pamwe neshangu dzechirume idzo dzaive itsva.

Aba bag iri anoti akarichengeta kumba kwake achiti aizotengesa zvaivemo nekufamba kwenguva nokuti aisada kuzviyengesa nokukasika nokuti aitya kubatwa. Mushure memazuva maviri akatanga kunzwa kuvaviwa paruoko rwerudyi uko kwakazova kuzvimba munguva pfupi. Murume uyu anoti kubva zuva iri kusvika nhasi anonzwa inzwi munzeve richiti dzoka nebag rangu.

Akazoenda kune umwe muporofita akamuti aifanira kubvisa zvaive mukati okanda bag racho mumvura inoyerera ndiko kuti apore. Sokureva kwemuporofita akanokanda bag iri murwizi Sebakwe asi azvina kubatsira. Akazoenda kune n’anga nemaporofita mazhinji asi apana ari kukwanisa kumubatsira. Ashaya angamubatsira akazofonera muridzi webag asi akamuudza kuti imborwadziwa wakabirei bag rangu. Pese paanoedza kutaura naye mhinduro inongova imwechete. Parizvino Phillip ave kukumbira kumhuri yeZimbabwe “….. _kune vanoziva Wellington kana vanogona kutaura naye pa0786502322 ngavamuudze kuti ndine urombo nezvandakaita ndinoda kumupa zvinhu zvake nokumubhadhara kuti andisunungure nokuti ndatambura chero kuenda kubasa andichakwanisa”_

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here