Home Africa News LATEST.:CHITUNHA CHAKARAMBA BOX NEGUMBEZE

LATEST.:CHITUNHA CHAKARAMBA BOX NEGUMBEZE

634
0

MAKONO VILLAGE … KWAMREWA.

Tinogaroyambira vanhu kwaMrewa kuti tosasiye hama dzedu dzichitambura tozoda kutenga kana kudziitira madanha dzafa. Zvakazotishamisa mugovera wadarika MAKONO VILLAGE kuMUCHINJIKE kwaMrewa kwashaya mumwe wedu Paradzai Jerry Simboti (40) pamusha pavaNyere .

Paradzai vanhu varikufungira kuti angadaro akafa nekadoro kanonzi kambwa kaya. Vanhu parufu vakashamisika vachiona mufi afuta zvekuzara box rikaita diki, chiriporipotyo mwana ndokubva abudirwa nemhepo yemufi achivava. Mhepo pamwana yaiti,”makandirega ndichitambura ndichishaya chekudya ,ndichishaya chekufuka,zvichabatsirei kutenga box negumbeze ini ndafa,regai zvenyu ,Handidi gumbeze renyu, Handidi box renyu”, inodaro mhepo yemushakabvu yabuda paneumwe mwana. Zvechokwadi box rakapwanyiwa mufi akavigwa akadaro akazongoputirwa Jira jena ndokuvigwa.

MUREWA YESE DOTCOMS Facebook page redu reMrewa vanoyambira hama dzose kuti aka kadoro kamunoti kambwa aka madii makarega kapedza vanhu,uyewo ngatichengetanei nehama dzatigere nadzo tisazode kunyepera rudo kana dzashaya,nesuwo hama ngatizvishandirei nemaoko edu tisazonetse vanhu tafa uye tisamirire kubatsirwa isu tiine maoko,haisi Kodzero yevanhu kuchengeta varume kana vakadzi vakuru vane mitezo yakakwana vanhu dzidzai kuzvishandira. Vamwe varikuita Mari nehuku vamwe muchitevedza tudoro , ndosaka Ndakati tirikuda kuswatudza Mrewa kusvika yanaka ,hatidi Zvakaipa kwaMrewa tozviti bvuu kusvika mati EKE, Hatidzore tsvimbo. Icho chakaitika paMuchinjike munoti kudii nacho?

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here